Ndorangarira mazuva aye tichidana pedyo nerwizi
Mhepo yaivhuvhutira tigere zvedu paruware
Shiri dzai pururudzira runako rwako sengirozi
Ndichizevezera mashoko erudo kuti iwe ufare
Mhiko ndaitsidzira kuumbira ramangwa pauri mudiwa
Kusvika kumagumo emazuva uchava ndiwe mambokadzi wepamoyo
Ndaivarairwa nemafemero ako urere bunde-bunde pachagu chipfuwa
Ganda rako rayivedza izwi rako muhope ruchindiimbira karwiyo
Pauno pepuka wondinyemwerera, wandigona, ndopfachuka nerudo
Waive chishamiso chisvusvura ndadya chemoyo wangu
Izwi rako rinyoro nyoro mundangariro rino nyorovesa hana waiva rudo
Ndai shereketa ndokumbereka ndichi tsvaga kukufadza nezviito zvangu
Mashoko erudo ndinewe anodakadza pfungwa kwauri ndovimbisa chirango
Asi nguva ndimadzongonyedze usipo uye kana tiri tose
Shungu dzeupenyu wakanaka dzondifambisa nerima iwo masango
Usa ndichityire nokuti kurudo rwedo ndakavimbika zvachose
Chengera goni remoyo wako usayevedzwe nezvino pfuura Kwauri ndinodzoka ini ndiriwako handikurase vimba muyangu hana
Kushamwari nehama ndakatopambadza usarase tariro nekuwanda kwe mazuvaAsi natsa kuti havasi vose vanofara kutiona tichidana
Ndingave murombo mumusha mangu hamhuna zviro zvino shamisa
Asi ndinovimbisa kukuriritira nekukufadza kudzamara tasiyaniswa nerufu
Zvisineyi handingavapo nguva dzose kudzivirira zvamanzwira moyo wako simbisa
Kuti rudo wako ruwane huremu nokuti rudo rwinotoda uve nemoyo murefu
Ini usandityire nokuti shungu dzangu dzakatoperera pauri
Handichadzokere kumashure nyangwe tikatadzirana handikurase moyo wakatopfava
Nyeredzi yangu, tsvarakadenga isina yenzaniso kubvira kare ndichida iwe shamwari
Dai zvaibvira taivaka pedu tega kuti moyo ugara uchifara serusvava
Ndoyeva chako chimiro tsime risina magumo
Ndofefeterwa muneramangwana nezvose zvatichava zvachose
Wadiwa wepa moyo