Wednesday, November 27, 2013

AMAI

Ndochema Amai misodzi yichi yerera Amai hapachina
Handichadzoreke Ishe apa mandi dzuura midzi
Ndodzungaira imo masango azere usiku
Zuva nezuva ndofumira kurongerera mumoyo rwendo rwembwa
Handichina tariro kwandoenda kana ruzivo kwandobva
Chamuka inyama pandinonetera ndoparere musoro
Ndikati ndidzokere kumusha nzira yacho yavesango
Iko kumusha kusina Amai  ndingawane zororo?
Asi nhai Imi Mwari makadii kundirotesawo iro zuva
Kudai ndakawana mukana weku tenda Amai
Zvino ndotenda iro guva here? Pindurai Mwari?
Kana iko kuchema kuri mumoyo achandinyaradza ndiani?
Iro ivhu ramedza Amai roseredzera neangu masodzi
Masodzi anenge chimvura mabwe
Pfungwa dzangu dzakomba churu chizere mibvunzo
Iwo matenga akakwidibirwa nerima hunzi munato usanzwike?
Makore erufu akwidibira chiedza chaindinatsa munzira
Tarisai zvino ndogumburwa nemiyedzo tsoka dzazare manga
Munguva dzekushaya mhepo dzezviyedzo dzowodza moyo nepfungwa
Mweya wangu wakwindimwara hauchina zororo
Rega ndicheme hama Kufirwa naAmai rwendo rwusina marongero
Chiwonai nhasi ndave musarandoga zai regondo
Amai maive gwati rekunze pahunde yemuti
Zvino achadzivirira muti iwo ndiani?
Aiwa kuita kwenyu Amai kwaipfura kwemurume hapana chandayishaiwa
Maive tsime rinoraramisa munyama zve nemumweya
Asi nhasi iro tsime zvino razare ivhu
Nguva dzose maifumo bata jongwe muromo badza ririkumusana
Hamai rase tariro kana kutiwira apo nyika yaishora munzira
"Jesu mununuri wangu" rwaiva rwiyo pamoyo pose pamaifamba
Munguva dzekutambudzika painetera vamwe ndopamaiwana simba
Mbiri yechi gandanga ndombiri yamuinayo Amai
Makandirwirira kusvika kumagumo musingatye kana irwo rufu
Makandiraira ndiri mumumvuri webapiro renyu
Nhasi ndakura ndave kuzvionera Amai ndinotenda
Pandaikundikana maiwana mashoko ekundisimudzira
Ndaive nechiremera nokuti mainatsa kufumuka kwangu
Maitsiudza neshamhu yerudo pandaikona muchi purudzira nepandai natsa
Rurimi rwenyu Amai rwaiva mukoko uzere mashoko anoraramisa
Asi maigaro taura Amai kubvira ndichiri rusvava
Kuti hamaive ibwe nhasi haagare ari nhasi
Asi ndiyani aziva muchatisiya kunze kuchaka yedza
Ndichaita sekutaura kwenyu "Ukashanda uchakunda"
Mazwi enyu ndinomanzwa kuhope ndirere nguva dzose
Ndichachengeta mirairo yenyu inonditsiudza muhupenyu
Kudzamara tisanganiswezve pamusi usinganonoki
Ndini mwana wenyu Amai ndinotenda